Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha.

2. Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva.

3. Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara.

4. Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo reBhati Rabhimi. Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni yakatarisa kudivi reDhamasiko.

5. Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri. Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo; mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako.

6. Wakanaka uye unofadza sei, iwe mudiwa nezvinofadza zvako!

7. Chimiro chako chakaita somuti womuchindwi; uye mazamu ako samasumbu omuchero.

8. Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu, ndigobata muchero wawo.” Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa, munhuwi wokufema kwako uite samaapuro,

9. muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa.Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko, igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake.

10. Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva.

11. Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumamisha.

12. Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu.

13. Miti yemidiwadiwa inopa kunhuwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.