Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu.Idyai, imi shamwari, uye munwe;Inwai mugute, imi vadiwa.

2. Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza. Anoti,“Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hwousiku.”

3. Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndingagodzisvibisazve here?

4. Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.

5. Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu akadonha mura, mimwe yangu ichiyerera mura, pazvibato zvechizarira.

6. Ndakazarurira mudiwa wangu, asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda. Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake. Ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndakamudana asi haana kupindura.

7. Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. Vakandirova, vakandikuvadza; vakanditorera jasi rangu, ivava varindi vamasvingo!

8. Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara norudo.

9. Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?

10. Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vane zviuru gumi.

11. Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo.

12. Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa nezvishongo.

13. Matama ake akaita semihomba yezvinonhuwira. inobereka zvinonhuwira. Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura.

14. Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafiri.

15. Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo.

16. Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema.