Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Chirevo chaBharamu Chokutanga

1. Bharamu akati, “Ndivakirei aritari nomwe pano, mugondigadzirira hando nomwe namakondohwe manomwe.”

2. Bharaki akaita sezvakataurwa naBharamu, uye vose vari vaviri vakabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe.

3. Ipapo Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano parutivi pechipiriso chako, ini ndimbotsaukira parutivi apa. Zvichida Jehovha angauya kuzosangana neni. Zvose zvaanondiratidza, ndichazokuudza.” Ipapo akabva akaenda pakakwirira, pakanga pasina chinhu.

4. Mwari akasangana naye, Bharamu akati, “Ndagadzira aritari nomwe uye paaritari imwe neimwe ndabayira hando negondohwe.”

5. Jehovha akaisa shoko mumuromo waBharamu akati, “Dzokera kuna Bharaki utaure kwaari shoko iri.”

6. Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda ose eMoabhu.

7. Ipapo Bharamu akataura chirevo chake akati:“Bharaki akanditora kubva kuAramu, iye mambo weMoabhu kubva kumakomo okumabvazuva. Akati, ‘Uya unditukirewo Jakobho; uya, utsoropodze Israeri.’

8. Ndingatuka seiko avo vasina kutukwa naMwari? Ndingatsoropodza seiko avo vasina kutsoropodzwa naJehovha?

9. Ndiri pamusoro pamatombo, ndinovaona, ndiri pakakwirira, ndinovaona. Ndinoona vanhu vanogara vari voga uye havazviverengi pakati pendudzi.

10. Ndianiko angaverenga guruva raJakobho kana kuverenga chikamu chechina chaIsraeri? Regai ndife rufu rwowakarurama, uye kuguma kwangu ngakuve sokwavo!”

11. Bharaki akati kuna Bharamu, “Waiteiko kwandiri? Ndakakutora kuti uzotuka vavengi vangu, asi hauna chinhu chawaita asi kutovaropafadza!”

12. Iye akapindura akati, “Ko, handifaniri kuti nditaure zvaiswa mumuromo mangu naJehovha here?”

Chirevo chaBharamu Chechipiri

13. Ipapo Bharaki akati kwaari, “Uya uende neni kune imwe nzvimbo yaunogona kuvaona; uchangoona chikamu chavo asi kwete vose. Uye uri ipapo ugonditukira vanhu ava.”

14. Saka akamutora akaenda naye kumunda waZofimi pamusoro pePisiga, uye akavaka aritari nomwe ipapo akabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe.

15. Bharamu akati kuna Bharaki, “Gara pano iwe parutivi rwechipiriso chako ini ndichindosangana naye uko.”

16. Jehovha akasangana naBharamu akaisa shoko mumuromo make akati, “Dzokera kuna Bharaki undotaura mashoko aya.”

17. Saka akadzokera kwaari akamuwana amire parutivi rwechipiriso chake, ana machinda eMoabhu. Bharaki akamubvunza akati, “Jehovha ati kudiniko?”

18. Ipapo akataura chirevo chake akati:“Simuka, Bharaki, uye uteerere; ndinzwe, iwe mwanakomana waZipori.

19. Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema, uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake. Ko, anotaura akasazviita here? Anovimbisa akasazadzisa here?

20. Ndakagamuchira murayiro wokuti ndiropafadze; iye aropafadza, uye ini handigoni kuzvishandura.

21. “Haana kuona chakaipa kuna Jakobho, hapana chakashata chakaonekwa muIsraeri. Jehovha Mwari wavo anavo; kudanidzira kwaMambo kuri pakati pavo.

22. Mwari akavabudisa muIjipiti; vane simba renyati.

23. Hapana un'anga hungarwa naJakobho, hapana kuvuka kunorwa naIsraeri. Zvino zvichanzi pamusoro paJakobho, napamusoro paIsraeri, ‘Tarirai zvaitwa naMwari!’

24. Vanhu vanosimuka seshumba hadzi; vanozvisimudza seshumba isingazorori kusvikira yadya chayauraya uye igonwa ropa rezvayabata.”

25. Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Usatombovatuka kana kuvaropafadza napaduku!”

26. Asi Bharamu akapindura akati, “Handina kukuudza here kuti ndinofanira kuita zvose zvinotaurwa naJehovha?”

Chirevo chaBharamu Chechitatu

27. Ipapo Bharaki akati kuna Bharamu, “Uya, ndiende newe kune imwe nzvimbo. Zvimwe Mwari achafara nazvo kuti unditukire vanhu ava ikoko.”

28. Saka Bharaki akatora Bharamu akakwira naye pamusoro pePeori pakatarisana nerenje.

29. Bharamu akati, “Ndivakire aritari nomwe pano, ugogadzira hando nomwe namakondohwe manomwe.”

30. Bharaki akaita sezvakanga zvataurwa naBharamu, akabayira hando negondohwe paaritari imwe neimwe.