Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Vasori vanoona nyika yeKenani

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Tuma vamwe varume kuti vandosora nyika yeKenani, yandiri kupa kuvaIsraeri. Tuma mutungamiri mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe rwamadzitateguru avo.”

3. Saka, sokurayira kwaJehovha, Mozisi akavatuma vachibva nokurenje reParani. Vose vakanga vari vatungamiri vavaIsraeri.

4. Haano mazita avo: kubva kurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri;

5. kubva kurudzi rwaSimeoni, Shafati mwanakomana waHori;

6. kubva kurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune;

7. kubva kurudzi rwaIsakari, Igari mwanakomana waJosefa;

8. kubva kurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni;

9. kubva kurudzi rwaBhenjamini, Pareti mwanakomana waRafu;

10. kubva kurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi;

11. kubva kurudzi rwaManase (rudzi rwaJosefa), Gadhi mwanakomana waSusi;

12. kubva kurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari;

13. kubva kurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri;

14. kubva kurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofisi;

15. kubva kurudzi rwaGadhi, Generi mwanakomana waMaki.

16. Aya ndiwo mazita avarume vakatumwa naMozisi kundosora nyika. (Mozisi akatumidza Hoshia mwanakomana waNuni zita rokuti Joshua).

17. Mozisi akati avatuma kundosora nyika yeKenani, akati kwavari, “Kwirai mupinde nechokuNegevhi uye nomunyika yamakomo.

18. Mundoona kuti nyika yakadini uye kuti vanhu vanogarako vakasimba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji.

19. Nyika yavanogara yakadini? Yakanaka here kana kuti yakaipa? Maguta avagere maari akadiniko? Haana masvingo here kana kuti akakomberedzwa?

20. Ko, ivhu racho rakadini? Rakaorera here kana kuti kwete? Mune miti here kana kuti hamuna? Muedze kwazvo kuti muuye nezvimwe zvezvibereko zvenyika iyo.” (Yakanga iri nguva yokutanga kuibva kwamazambiringa).

21. Naizvozvo vakakwira vakandosora nyika kubva kurenje reZini kusvikira kuRehobhi, kwakanangana neRebho Hamati.

22. Vakakwira vachipinda nechokuNegevhi vakasvika kuHebhuroni paigara Ahimeni, Sheshai naTarimai, zvizvarwa zvaAnaki. (Hebhuroni rakanga ravakwa makore manomwe Zoani risati ravakwa muIjipiti).

23. Vakati vasvika paMupata weEshikori, vakatema davi rimwe raiva nesumbu ramazambiringa. Vaviri vavo vakaritakura nedanda pakati pavo pamwe chete namatamba uye namaonde.

24. Nzvimbo iyo yakanzi Mupata weEshikori nokuda kwesumbu ramazambiringa rakatemwa ipapo navaIsraeri.

25. Mazuva makumi mana akati apera, vakadzoka kubva kundosora nyika.

Vanozivisa zvokusora kwavo

26. Vakadzokera kuna Mozisi naAroni nokuungano yose yavaIsraeri paKadheshi murenje reParani. Ipapo vakazivisa kwavari nokuungano yose uye vakavaratidza zvibereko zvenyika.

27. Vakapa nhoroondo iyi kuna Mozisi: “Takaenda kunyika yamakatituma, uye inoerera mukaka nouchi! Hezvi zvibereko zvayo.

28. Asi vanhu vanogarako vane simba kwazvo, uye maguta akakomberedzwa uye makuru kwazvo. Takaona kunyange zvizvarwa zvaAnaki ikoko.

29. VaAmareki vanogara nechokuNegevhi; vaHiti, vaJebhusi navaAmori vanogara munyika yamakomo; uye vaKenani vanogara pedyo negungwa uye vakatevedza Jorodhani.”

30. Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMozisi akati, “Tinofanira kukwira tindotora nyika nokuti zvirokwazvo tinogona kuitora.”

31. Asi varume vakanga vaenda naye vakati, “Hatigoni kurwisa vanhu ava; vakasimba kutipfuura isu.”

32. Saka vakaparadzira mashoko akaipa pakati pavaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vandosora. Vakati, “Nyika yatakandosora inodya vaya vanogaramo. Vanhu vose vatakaona ikoko vakakura kwazvo.

33. Takaona vaNefirimi ikoko (Izvo zvizvarwa zvavaAnaki vanobva kuvaNefirimi). Isu tainge mhashu pakuona kwedu, uye tainge takadarowo pakuona kwavo.”