Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Zvinhanho zvoRwendo rwavaIsraeri

1. Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.

2. Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo:

3. VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose,

4. avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo.

5. VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti.

6. Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga.

7. Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori.

8. Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtamu, vakadzika misasa paMara.

9. Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo.

10. Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku.

11. Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini.

12. Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika.

13. Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi.

14. Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.

15. Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai.

16. Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hatava.

17. Vakabva paKibhuroti Hatava vakandodzika misasa paHazeroti.

18. Vakabva paHazeroti vakandodzika misasa paRitima.

19. Vakabva paRitima vakandodzika misasa paRimoni Perezi.

20. Vakabva paRimoni Perezi vakandodzika misasa paRibhina.

21. Vakabva paRibhina vakandodzika misasa paRisa.

22. Vakabva paRisa vakandodzika misasa paKeherata.

23. Vakabva paKeherata vakandodzika misasa paGomo reSheferi.

24. Vakabva paGomo reSheferi vakandodzika misasa paHaradha.

25. Vakabva paHaradha vakandodzika misasa paMakeroti.

26. Vakabva paMakeroti vakandodzika misasa paTahati.

27. Vakabva paTahati vakandodzika misasa paTera.

28. Vakabva paTera vakandodzika misasa paMitika.

29. Vakabva paMitika vakandodzika misasa paHashimona.

30. Vakabva paHashimona vakandodzika misasa paMoseroti.

31. Vakabva paMoseroti vakandodzika misasa paBhene Jaakani.

32. Vakabva paBhene Jaakani vakandodzika misasa paHori Hagidhigadhi.

33. Vakabva paHori Hagidhigadhi vakandodzika misasa paJotibhata.

34. Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona.

35. Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri.

36. Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini.

37. Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu.

38. Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti.

39. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori.

40. Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya.

41. Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona.

42. Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni.

43. Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhiti.

44. Vakabva paObhiti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu.

45. Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi.

46. Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi.

47. Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho.

48. Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko.

49. Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu.

50. Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi,

51. “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani,

52. mudzinge vose vanogara munyika imomo pamberi penyu. Muparadze zvifananidzo zvavo zvose zvakavezwa nezvifananidzo zvavo zvakaumbwa, uye muputse nzvimbo dzose dzakakwirira.

53. Mutore nyika iyo mugaremo, nokuti ndakupai nyika iyi kuti ive yenyu.

54. Mugovere nyika nomujenya, maererano nemhuri dzenyu. Mupe vakawanda nhaka huru, uye vashoma muvapewo nhaka duku. Zvose zvichawira kwavari nomujenya zvinofanira kuva zvavo. Muigove zviri maererano namarudzi amadzitateguru enyu.

55. “ ‘Asi kana mukasadzinga vagere munyika iyi, vamunotendera kusara ivavo vachava rukato pamberi penyu neminzwa pamativi enyu. Vachakutambudzai munyika mamugere.

56. Ipapo ndichakuitirai imi zvandakaronga kuvaitira ivo.’ ”