Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 2:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Akaparadza ugaro hwake sebindu; akaparadza nzvimbo yake yokusanganira Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwe mitambo yaro yakatarwa namaSabata aro; mukutsamwa kwake kunotyisa, akaramba vose mambo nomuprista.

7. Ishe akaramba aritari yake uye akasiya nzvimbo yake tsvene. Akaisa mumaoko omuvengi masvingo emizinda yake; vakaita ruzha mumba maJehovha sapazuva romutambo wakatarwa.

8. Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni. Akatambanudza rwodzi rwokuyera uye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza. Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze; zvose zvakaparara pamwe chete.

9. Masuo aro anyura muvhu, akavhuna mazariro aro ndokuaparadza. Mambo waro namachinda aro vakaenda muutapwa pakati pendudzi, murayiro hapachina, uye vaprofita varo havachawanizve zviratidzo zvinobva kuna Jehovha.

10. Vakuru voMwanasikana weZioni vagere pasi vanyerere; vamwaya guruva pamisoro yavo ndokupfeka masaga. Vakadzi vechidiki veJerusarema vakotamisa misoro yavo pasi.

11. Meso angu aneta nokuchema, ndiri kurwadziwa mukati mangu, mwoyo wangu wadururirwa pasi nokuti vanhu vangu vaparadzwa, nokuti vana navacheche voziya munzira dzomuguta.

12. Vanoti kuna vanamai vavo, “Zvokudya newaini zviripiko?” pavanoziya somurume akuvadzwa munzira dzomuguta, panodururwa upenyu hwavo. Mumaoko avanamai vavo.

13. Ndingareveiko pamusoro pako? Ndingakuenzanisa neiko, iwe Mwanasikana weJerusarema? Ndingakufananidze neiko, kuti zvimwe ndikunyaradze, iwe Mhandara Mwanasikana weZioni? Vanga rako rakadzika segungwa Ndianiko achakuporesa?

14. Zviratidzo zvavaprofita vako zvakanga zviri zvenhema uye zvisina maturo; havana kubudisa zvivi zvako pachena kuti vabvise kutapwa kwako, zvirevo zvavakakupa zvakanga zviri zvenhema uye zvaitsausa.

15. Vose vanopfuura nepauri vacharova maoko vachikuseka; vanoseka nokudzungudza misoro yavo paMhandara yeJerusarema vachiti, “Ko, ndiro here guta rainzi kukwana kworunako, mufaro wenyika yose?”

16. Vavengi vako vose vanoshama miromo yavo pamusoro pako; vanoseka uye vanorumanya meno avo vachiti, “Tarimedza. Iri ndiro zuva ratanga takamirira; takararama kuti tirione.”

17. Jehovha aita zvaakaronga; azadzisa shoko rake, raakatema kare. Akakukoromora asina tsitsi, akarega muvengi achifara pamusoro pako, akasimudza runyanga rwavavengi vako.

18. Mwoyo yavanhu inodana kuna She. Iwe rusvingo rwoMwanasikana weZioni, rega misodzi yako iyerere sorwizi masikati nousiku; usazvipa zororo, meso ako asazorora.

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 2