Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 38:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikija, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka.

7. Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini,

8. Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vakaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavakaita kumuprofita Jeremia.

9. Vakamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.”

10. Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo mundobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”

11. Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba.

12. EbhedhiMereki muEtiopia akati kuna Jeremia, “Isa mamvemve nenguo dzakasakara idzi muhapwa dzako kuti zviputire tambo.” Jeremia akaita saizvozvo,

13. ndokubva vamukweva netambo ndokumubudisa kubva mugomba. Nokudaro Jeremia akaramba ari paruvazhe rwavarindi.

14. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.”

15. Jeremia akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakupai mhinduro, hamuzondiurayi here? Kunyange ndikakupai zano, hamunganditeereri.”

16. Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko avavo vanotsvaka kukuuraya.”

17. Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama.

18. Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 38