Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 57:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Wakaenda kuna Moreki namafuta omuorivhi ukawedzera zvinonhuwira zvako. Wakatumira nhume dzako kure; wakaburukira kuguva chaiko!

10. Wakaneteswa nenzira dzako dzose, asi hauna kumboti, ‘Hazvina maturo.’ Wakawana kuvandudzwa kwesimba rako, nokudaro hauna kuziya.

11. “Ndianiko wawakatya uye ukavhunduka zvokuti wakazoreva nhema kwandiri, uye hauna kumbondirangarira kana kumbozvifunga izvi mumwoyo mako? Hakuzi kuti ndakaramba ndakanyarara iwe ukasanditya here?

12. Ndichaisa pachena kururama kwako namabasa ako, uye hazvizombokubatsiri.

13. Paunochemera rubatsiro, zvifananidzo zvawakaunganidza ngazvikubatsire! Mhepo ichazvikukura zvose, mweya wokungofema zvawo uchazvifuridzira kure. Asi munhu anondiita utiziro hwake achagara nhaka yenyika, uye gomo rangu dzvene richava rake.”

14. Uye zvichazonzi,“Vakai, vakai, gadzirai mugwagwa! Bvisai zvipinganidzo munzira yavanhu vangu.”

15. Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro, iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene, “Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene, asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa, kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.

16. Handichapi mhosva nokusingaperi, kana kugara ndakatsamwa, nokuti ipapo mweya yavanhu ingaziya pamberi pangu, kufema kwomunhu wandakasika.

17. Ndakatsamwiswa nechivi chake chokukara; ndakamuranga, ndikavanza chiso changu mukutsamwa kwangu, asi akaramba ari munzira dzaaida.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 57