Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 44:19-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Hapana ane ruzivo kana kunzwisisa kuti ati, “Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto; ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya. Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here? Ndichapfugamira kudanda rehuni here?”

20. Anodya madota, mwoyo wakanyengerwa unomutsausa; haagoni kuzviponesa kana kuti ati, “Ko, chinhu ichi chiri muruoko rwangu rworudyi hachisi chenhema here?”

21. “Rangarira zvinhu izvi, iwe Jakobho, nokuti uri muranda wangu, iwe Israeri. Ndakakuita, uri muranda wangu; haiwa Israeri, handichakukanganwizve.

22. Ndakadzima kudarika kwako segore, nezvivi zvako semhute yamangwanani. Dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.”

23. Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi; danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi. Imbai nziyo, imi makomo, nemi masango nemiti yose, nokuti Jehovha adzikinura Jakobho, akaratidza kubwinya muIsraeri.

24. “Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu:“Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga.

25. Iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwavane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi,

26. anozadzisa mashoko omuranda wake, uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake,anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’

27. iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma, uye ndichaomesa hova dzako,’

28. iye anoti pamusoro paSirasi, ‘Ndiye mufudzi wanguuye achaita zvose zvandinoda;iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,”uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.” ’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 44