Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 40:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo.

14. Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredzwa nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe.

15. Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu.

16. Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe.

17. Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa.

18. Dzakanga dzakaganhurana norutivi rwamasuo uye zvakaenzana paupamhi nokureba; ndiyo yakanga iri nzira yakavakirwa yenyasi.

19. Ipapo akayera nhambwe kubva nechomukati kwerutivi rwesuo rezasi kusvikira kunze kworuvazhe rwomukati; rwakanga runa makubhiti zana nechokumabvazuva, uye nechokumusorowo.

20. Ipapo akayera urefu noupamhi hwesuo rakatarisana nechokumusoro raienda kuruvanze rwokunze.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 40