Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 23:9-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “Musadzvinyirira mutorwa; imi pachenyu munoziva kuti zvakaita sei kuva mutorwa, nokuti makanga muri vatorwa muIjipiti.

10. “Makore matanhatu munofanira kudyara minda yenyu mugokohwa zvirimwa,

11. asi pagore rechinomwe nyika ngairege kurimwa kana kushandiswa. Ipapo varombo vari pakati pavanhu venyu vangawanawo zvokudya kubva mairi, uye zvikara zvesango zvigodya zvavanenge vasiya. Muitewo zvimwe chetezvo kuminda yenyu yemizambiringa neyemiorivhi.

12. “Muite basa renyu mazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe musashanda, kuitira kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore uye nhapwa yakaberekerwa mumba mako, nomutorwa, vazororewo.

13. “Muchenjerere kuti muite zvose zvandakareva kwamuri. Musareva mazita avamwe vamwari; ngaarege kunzwikwa pamiromo yenyu.

14. “Katatu pagore munofanira kepemberera mutambo kwandiri.

15. “Mupemberere Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso; mazuva manomwe, munofanira kudya chingwa chisina mbiriso, sezvandakakurayirai. Muite izvi panguva dzakatarwa mumwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi iwoyo ndipo pamakabuda kubva muIjipiti.“Hakuna munhu anofanira kumira pamberi pangu asina chinhu.

16. “Mupemberere Mutambo woKukohwa nezvibereko zvokutanga zvezvirimwa zvamakadyara muminda yenyu.“Mupemberere Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore, pamunounganidza zvirimwa zvenyu kubva mumunda.

17. “Vamwe vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha katatu pagore.

18. “Musapa ropa rechibayiro kwandiri pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso.“Mafuta ezvipiriso zvangu zvomutambo haafaniri kuchengetwa kusvikira mangwana mangwanani.

19. “Muuye nezvakanakisisa zvezvibereko zvokutanga zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu.“Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

20. “Tarirai, ndiri kutumira mutumwa pamberi penyu kuti akuchengetei munzira uye kuti akusvitsei kunzvimbo yandakakugadzirirai.

21. Murerekere nzeve dzenyu kwaari mugoteerera zvaanoreva. Musamumukira; iye haangazoregereri kumukira kwenyu, sezvo Zita rangu riri maari.

22. Kana mukanyatsoteerera kune zvaanoreva nokuita zvose zvandinoreva, ini ndichava muvengi kuvavengi venyu uye ndichapikisa avo vanokupikisai.

23. Mutumwa wangu achakutungamirirai uye agokupinzai munyika yavaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaKenani, vaHivhi navaJebhusi, uye ndichavapedza chose.

24. Musapfugamira vamwari vavo kana kuvanamata kana kuwadzana namabasa avo. Munofanira kuvaparadza uye mugoputsa matombo avo anoyera.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 23