Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 27:7-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Mubayire zvipiriso zvokuyanana ipapo, muzvidye uye muchipembera pamberi paJehovha Mwari wenyu.

8. Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.”

9. Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu.

10. Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.”

11. Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti:

12. Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimi kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini.

13. Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari.

14. VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti:

15. “Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

16. “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni.”

17. “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

18. “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

19. “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

20. “Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

21. “Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

22. “Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 27