Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 10:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo uye ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino.

6. (VaIsraeri vakasimuka vakabva pamatsime avaJaakani vakaenda kuMosera. Ipapo ndipo pakafira Aroni akavigwa, uye Ereazari mwanakomana wake akatora chinzvimbo chake somuprista.

7. Vakasimukapo vakaenda kuGudhugodha vakapfuurira kuenda kuJotibhata, nyika ine hova dzemvura.

8. Panguva iyoyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, kuti vamire pamberi paJehovha vachishumira, uye kuti varopafadze vanhu muzita raJehovha, sezvavanoita nanhasi.

9. Ndokusaka vaRevhi vasina mugove wenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiyo nhaka yavo sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.)

10. Zvino ini ndakagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei.

11. Jehovha akati kwandiri, “Enda, utungamirire vanhu panzira yavo, kuitira kuti vapinde uye vatore nyika yandakapikira madzibaba avo kuti ndichavapa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 10