Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mahwendefa akafanana neokutanga

1. Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti.

2. Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.”

3. Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuakasia uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri aya mumaoko angu.

4. Jehovha akanyora pamahwendefa aya zvakafanana nezvaakanga anyora pakutanga, Mirayiro Gumi yaakanga akuudzai pagomo, ari mumoto, nezuva reungano. Uye Jehovha akaipa kwandiri.

5. Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo uye ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino.

6. (VaIsraeri vakasimuka vakabva pamatsime avaJaakani vakaenda kuMosera. Ipapo ndipo pakafira Aroni akavigwa, uye Ereazari mwanakomana wake akatora chinzvimbo chake somuprista.

7. Vakasimukapo vakaenda kuGudhugodha vakapfuurira kuenda kuJotibhata, nyika ine hova dzemvura.

8. Panguva iyoyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, kuti vamire pamberi paJehovha vachishumira, uye kuti varopafadze vanhu muzita raJehovha, sezvavanoita nanhasi.

9. Ndokusaka vaRevhi vasina mugove wenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiyo nhaka yavo sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.)

10. Zvino ini ndakagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei.

11. Jehovha akati kwandiri, “Enda, utungamirire vanhu panzira yavo, kuitira kuti vapinde uye vatore nyika yandakapikira madzibaba avo kuti ndichavapa.”

Itya Jehovha

12. Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake dzose, nokumuda, nokushumira Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose,

13. nokuchengeta mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire?

14. Denga, kunyange nedenga rokumusorosoro, nenyika nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako.

15. Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, vana vavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi.

16. Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare.

17. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavaMwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro.

18. Iye anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.

19. Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti.

20. Ityai Jehovha Mwari wenyu mugomushumira. Batirirai paari uye muite mhiko dzenyu muzita rake.

21. Ndiye rumbidzo yenyu; ndiye Mwari wenyu, iye akakuitirai zvinhu zvikuru nezvishamiso zvinotyisa zvamakaona nameso enyu.

22. Madzitateguru enyu akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe pamwe chete, uye zvino Jehovha Mwari wenyu achaita kuti muwande senyeredzi dzokudenga.