Zvino ini ndakagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei.