Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 6:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechidhindo chake uye nezvidhindo zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa.

18. Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope.

19. Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba.

20. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?”

21. Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!

22. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivirira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.”

23. Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.

24. Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 6