Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 25:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Amazia aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Mai vake vainzi Jehoadhini, uye vaibva kuJerusarema.

2. Akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete nomwoyo wose.

3. Paakapedza kusimbisa umambo hwake akauraya machinda akanga auraya baba vake.

4. Kunyange zvakadaro haana kuuraya vanakomana vavo asi akaita sezvazvakanga zvakanyorwa muMurayiro, muBhuku raMozisi, umo Jehovha akarayira achiti, “Madzibaba havafaniri kuurayiwa nokuda kwavana vavo, uye kuti vana havafaniri kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo.”

5. Amazia akaunganidza vanhu veJudha akavaronga zvichienderana nemhuri dzavo pasi pavatungamiri vezviuru akaverengawo vaiva namakore makumi maviri naanopfuura akaona kuti vaisvika zviuru mazana matatu vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo, vaigona kubata mapfumo nenhoo.

6. Akatorazve varwi zviuru zana kubva kuIsraeri akavaripa matarenda zanaa esirivha.

7. Asi munhu waMwari akauya kwaari akati, “Haiwa Mambo, ava varwi vabva kuIsraeri havafaniri kuenda nemi nokuti Jehovha havasi kuIsraeri, havasi kune upi zvake munhu wokuEfuremu.

8. Kunyange mukaenda kundorwa nesimba rose, Mwari achakukundai pamberi pavavengi nokuti Mwari ane simba rokubatsira kana kuputsa.”

9. Amazia akabvunza munhu waMwari akati, “Asi, matarenda zana andakaripa kuvaIsraeri anoitwa sei?” Munhu waMwari akapindura akati, “Jehovha anogona kukupa zvakawanda kupfuura izvi.”

10. Saka Amazia akaregera varwi vose vakanga vabva kuEfuremu vachienda uye akavati vaende zvavo kumba. Vakatsamwa zvikuru nokuda kweJudha vakaenda kumba vachipopota zvikuru.

11. Ipapo Amazia akatungamirira hondo yake kuMupata weMunyu, kwaakandouraya varume veSeiri zviuru gumi.

12. Hondo yeJudha yakabatazve varume zviuru gumi vakavatora vakaenda navo pamusoro pegomo pamawere vakavakanda pasi pakavhunika-vhunika.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 25