Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 2:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi.

5. “Temberi yandichavaka ichange iri huru nokuti Mwari wedu mukuru kupinda vamwari vose.

6. Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange matenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake?

7. “Saka zvino nditumirewo, murume ano unyanzvi hwokushandisa goridhe, nesirivha, ndarira, nesimbi uye nemicheka yepepuru nemitsvuku neyebhuruu, ane ruzivo rwezvokuveza kuti ashande muJudha neJerusarema pamwe chete navarume vakachenjera vakasiyiwa naDhavhidhi baba vangu.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 2