Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Makoronike 2:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Soromoni akada kuvaka temberi yeZita raJehovha uye nomuzinda wakewo.

2. Akatuma varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamabwe, navarume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo mumakomo uye varume zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri vavo.

3. Soromoni akatumira shoko iri kuna Hiramu mambo weTire: “Nditumireiwo matanda emisidhari sezvamakaitira baba vangu Dhavhidhi pamakavatumira misidhari yokuvakisa muzinda wavo kuti vagaremo.

4. Zvino ndava kuda kuvakira Zita raJehovha Mwari wangu temberi ndigoikumikidza kwaari kuti ndigopisira zvinonhuwira pamberi pake, kuti ndigoisa chingwa chakatsaurwa nguva dzose uye kuti ndigoita zvipiriso zvinopiswa mangwanani namanheru oga oga, pamaSabata, paKugara kwoMwedzi napamitambo yakatarwa yaJehovha Mwari wedu. Uyu ndiwo murayiro wakapiwa Israeri nokusingaperi.

5. “Temberi yandichavaka ichange iri huru nokuti Mwari wedu mukuru kupinda vamwari vose.

6. Asi ndiani angakwanisa kumuvakira temberi, sezvo iye asingakwani kunyange matenga okumusoro-soro? Ko, ini ndini aniko kuti ndingamuvakirawo temberi asi chete senzvimbo yokupisira zvipiriso zvinopiswa pamberi pake?

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Makoronike 2