Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 15:28-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakaita kuti Israeri iite.

29. Munguva yaPeka mambo weIsraeri, TigiratiPireseri mambo weAsiria akauya akatora Goni, neAbheri Bheti Maaka, neJanoa, neKedheshi neHazori. Akatora Gireadhi neGarirea pamwe chete nenyika dzose dzeNafutari uye akatakura vanhu akaenda navo kuAsiria senhapwa.

30. Ipapo Hoshea mwanakomana waEra akamukira Peka mwanakomana waRemario. Akamurwisa akamuuraya ndokubva amutorera umambo mugore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUzia.

31. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPeka, nezvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

32. Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri, Jotamu mwanakomana waUzia mambo weJudha akatanga kutonga.

33. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Zita ramai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki.

34. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia.

35. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko. Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha.

36. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJotamu, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

37. (Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria kundorwisa Judha.)

38. Jotamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi, guta rababa vake. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 15