Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 15:25-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Mumwe wamakurukota ake, ainzi Peka mwanakomana waRemaria, akamumukira. Akatora varume makumi mashanu veGireadhi, akauraya Pekahia pamwe chete naArigobhi naArie, munhare yomuzinda wamambo weSamaria. Saka Peka akauraya Pekahia uye akamutevera paumambo.

26. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPekahia, nezvose zvaakaita zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri.

27. Mugore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo weJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore makumi maviri.

28. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakaita kuti Israeri iite.

29. Munguva yaPeka mambo weIsraeri, TigiratiPireseri mambo weAsiria akauya akatora Goni, neAbheri Bheti Maaka, neJanoa, neKedheshi neHazori. Akatora Gireadhi neGarirea pamwe chete nenyika dzose dzeNafutari uye akatakura vanhu akaenda navo kuAsiria senhapwa.

30. Ipapo Hoshea mwanakomana waEra akamukira Peka mwanakomana waRemario. Akamurwisa akamuuraya ndokubva amutorera umambo mugore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUzia.

31. Zvimwe zvakaitika pakutonga kwaPeka, nezvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

32. Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri, Jotamu mwanakomana waUzia mambo weJudha akatanga kutonga.

33. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Zita ramai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki.

34. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia.

Verenga chitsauko zvakakwana 2 Madzimambo 15