Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 25:7-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “ ‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika.

8. Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’ ”

9. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira.

10. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya.

11. Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?”

12. Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose.

13. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi.

14. Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka.

15. Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 25