Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 2:25-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Kana munhu akatadzira mumwe munhu, Mwari angamumiririre, asi kana munhu akatadzira Jehovha, ndiani angamumiririre?” Kunyange zvakadaro, vanakomana vake havana kuteerera kutsiura kwababa vavo, nokuti kwaiva kuda kwaJehovha kuti avauraye.

26. Zvino mukomana uyu Samueri akaramba achikura pamumhu uye napakudiwa naJehovha navanhu.

27. Zvino munhu waMwari akauya kuna Eri akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Handina kuzviratidza pachena kuimba yababa vako here pavaiva muIjipiti pasi paFaro?

28. Ndakasarudza baba vako kubva kumarudzi ose aIsraeri kuti vave muprista wangu, kuti vakwire kuaritari yangu, kundopisa zvinonhuwira, uye kuti vapfeke efodhi pamberi pangu. Ndakapawo imba yababa vako zvose zvipiriso zvaipiswa navaIsraeri.

29. Sei muchizvidza chibayiro changu nechipiriso changu, zvandakarayira mumba mangu? Sei muchikudza vanakomana venyu kudarika ini nokuzvi kudza pachenyu nezvikamu zvakanakisisa zvezvipiriso zvose zvinopiwa navanhu vangu veIsraeri?’

30. “Naizvozvo Jehovha, Mwari weIsraeri, anoti, ‘Ndakavimbisa kuti imba yako neimba yababa vako dzichashumira pamberi pangu nokusingaperi.’ Asi zvino Jehovha anoti, ‘Ngazvive kure neni! Avo vanondikudza ndichavakudza, asi avo vanondizvidza vachadzikisiswa.

31. Nguva iri kuuya yandichagura simba rako nesimba reimba yababa vako, zvokuti hakuchazovi nomutana mumhuri yako

32. uye uchaona kutambudzika muimba yangu. Kunyange zvazvo zvakanaka zvichizoitirwa Israeri, mumhuri yako hamuzofi makava nomutana.

33. Mumwe nomumwe wenyu wandisingabvisi paaritari yangu achasiyiwa kuti apofumadze meso enyu nemisodzi uye kuti arwadzise mwoyo yenyu, uye zvizvarwa zvako zvose zvichafa zvichine simba.

34. “ ‘Uye zvichaitika kuvanakomana vako vaviri, Hofini naFinehasi zvichava chiratidzo kwauri, vachafa vose zuva rimwe chete.

35. Ndichazvimutsira muprista akatendeka, achaita zvinoenderana nezviri mumwoyo mangu nomundangariro dzangu. Ndichamisa imba yake zvakasimba, uye achashumira pamberi pomuzodziwa wangu nguva dzose.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 2