Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 18:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini ndini ani hangu, uye mhuri yangu chiiko, kana imba yababa vangu muIsraeri, kuti ndive mukuwasha wamambo?”

19. Saka nguva yakati yasvika yokuti Merabhi, mwanasikana waSauro, apiwe kuna Dhavhidhi, akawaniswa kuna Adhirieri weMehorati.

20. Zvino Mikari mwanasikana waSauro akanga achida Dhavhidhi, saka vakati vaudza Sauro izvozvo, akafara.

21. Akafunga akati, “Ndichamupa iye kwaari, kuitira kuti agova musungo kwaari uye kuitira kuti zvimwe ruoko rwavaFiristia rungarwe naye.” Saka Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Zvino wava nomukana wechipiri wokuti uve mukuwasha wangu.”

22. Ipapo Sauro akarayira varanda vake akati, “Tauriranai naDhavhidhi pakavanda muti, ‘Tarira, mambo ari kukufarira, uye varanda vake vose vanokuda; zvino, chiva mukuwasha wake.’ ”

23. Vakadzokorora mashoko iwaya kuna Dhavhidhi. Asi Dhavhidhi akati, “Munofunga kuti chinhu chiduku here kuva mukuwasha wamambo? Ndinongori munhu murombo zvake uye asingazivikanwi.”

24. Varanda vaSauro vakati vamuudza zvakanga zvataurwa naDhavhidhi,

25. Sauro akati, “Muti kuna Dhavhidhi, ‘Mambo haasi kuda rimwezve roora romwenga rinokunda zvikanda zvapamberi zvavaFiristia zana, kuti atsive vavengi vake.’ ” Urongwa hwaSauro hwakanga huri hwokuurayisa Dhavhidhi navaFiristia.

26. Varanda vakati vataurira Dhavhidhi zvinhu izvi, akafara kuti ave mukuwasha wamambo. Saka nguva yakatarwa isati yapera,

27. Dhavhidhi navanhu vake vakabuda vakauraya mazana maviri avaFiristia. Akauya nezvikanda zvavo zvapamberi akazvipa zvose zvakakwana kuna mambo kuitira kuti zvimwe angava mukuwasha wamambo. Ipapo Sauro akamupa Mikari mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake.

28. Sauro akati aona kuti Jehovha akanga ana Dhavhidhi uye kuti Mikari mwanasikana wake akanga achida Dhavhidhi,

29. Sauro akatonyanya kumutya, uye akaramba ari muvengi wake pamazuva ake ose.

30. Vakuru vehondo yavaFiristia vakaramba vachienda kundorwa, uye nguva dzose dzavaienda, Dhavhidhi aibudirira kupfuura varanda vose vaSauro, uye zita rake rakazonyanya kuzivikanwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 18