Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 15:30-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Sauro akati, “Ndatadza hangu. Asi ndapota ndikudzei henyu pamberi pavakuru vavanhu vangu napamberi pavaIsraeri; dzokai neni kuitira kuti ndigononamata Jehovha Mwari wenyu.”

31. Saka Samueri akadzokera naSauro, ipapo Sauro akanamata Jehovha.

32. Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.” Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.”

33. Asi Samueri akati, “Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana, saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.” Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.

34. Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwira akaenda kumba kwake paGibhea raSauro.

35. Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 15