Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jehovha anoramba kuti Sauro arambe ari Mambo

1. Samueri akati kuna Sauro, “Ndini ndakatumwa naJehovha kuti ndizokuzodza kuti uve mambo pamusoro pavanhu vake ivo vaIsraeri; saka teerera zvino kushoko rinobva kuna Jehovha.

2. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndicharanga vaAmareki nokuda kwezvavakaita kuvaIsraeri pavakavadzivirira panzira panguva yavakabuda kubva kuIjipiti.

3. Zvino chienda undorwisa vaAmareki uye uparadze zvachose zvinhu zvavo zvose. Usavarega vari vapenyu uuraye varume navakadzi, vana navacheche, mombe namakwai, ngamera nembongoro.’ ”

4. Saka Sauro akadana vanhu akavaverenga paTeraimi, zviuru mazana maviri zvavarwi vetsoka uye varume vaibva kuJudha zviuru gumi.

5. Sauro akaenda kuguta ravaAmareki akavavandira ari mumupata.

6. Ipapo akati kuvaKeni, “Endai, ibvai kuvaAmareki kuti ndirege kukuparadzai pamwe chete navo; nokuti makaita mwoyo munyoro kuvaIsraeri vose panguva yavakabuda muIjipiti.” Naizvozvo vaKeni vakabva pakati pavaAmareki.

7. Ipapo Sauro akarwisa vaAmareki kubva paHavhira kusvikira kuShuri, kumabvazuva eIjipiti.

8. Akabata Agagi mambo wavaAmareki ari mupenyu, uye akaparadza chose vanhu vake vose nomunondo.

9. Asi Sauro nehondo yake vakarega Agagi namakwai akanakisisa nemombe, mhuru dzakakora uye namakwayana, zvakanga zvakanaka zvose. Izvi havana kuda kuzviparadza zvachose, asi zvinhu zvose zvakanga zvichizvidzikana uye zvisina simba ndizvo zvavakaparadza zvachose.

10. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Samueri richiti,

11. “Ndinozvidemba kuti ndakagadza Sauro kuti ave mambo, nokuti akatsauka kubva kwandiri uye haana kuita zvandakamurayira.” Samueri akatambudzika, akachema kuna Jehovha usiku hwose.

12. Samueri akamuka mangwanani-ngwanani akaenda kuti andosangana naSauro, asi akaudzwa kuti, “Sauro aenda kuKarimeri. Ikoko azvivakira shongwe yokuzviremekedza, abvako akadzika kuGirigari.”

13. Samueri akati asvika kwaari, Sauro akati, “Jehovha ngaakuropafadzei! Ndakaita zvandakarayirwa naJehovha.”

14. Asi Samueri akati, “Ko, zvino kuchema uku kwamakwai munzeve dzangu ndokwei? Kukuma kwemombe kwandinonzwa uku chiiko?”

15. Sauro akapindura akati, “Varwi vakabva nadzo kuvaAmareki; vakasiya makwai akanakisisa nemombe kuti vabayire kuna Jehovha Mwari wenyu, asi zvimwe zvose takazviparadza chose.”

16. Samueri akati kuna Sauro, “Mira! Rega ndikutaurire zvandakaudzwa naJehovha nezuro usiku.” Sauro akati, “Ndiudzei.”

17. Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri.

18. Uye akakutuma parwendo, akati, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’

19. Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?”

20. Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo.

21. Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.”

22. Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda zvibayiro, uye kunzwa kunokunda mafuta amakondohwe.

23. Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.”

24. Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo.

25. Zvino ndinokukumbirisai, ndikanganwirei chivi changu mugodzoka neni, kuti ndigononamata Jehovha.”

26. Asi Samueri akati kwaari, “Handingadzoki newe. Wakaramba shoko raJehovha, saka Jehovha akuramba kuti uve mambo wavaIsraeri!”

27. Samueri akati atendeuka kuti abve, Sauro akabata mupendero wenguo yake, ukabvaruka.

28. Samueri akati kwaari, “Jehovha abvarura umambo hweIsraeri kubva kwauri nhasi uye ahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna iye ari nani panewe.

29. Iye Kubwinya kwaIsraeri haangarevi nhema kana kushandura pfungwa dzake; nokuti haasi munhu, kuti angashandura pfungwa dzake.”

30. Sauro akati, “Ndatadza hangu. Asi ndapota ndikudzei henyu pamberi pavakuru vavanhu vangu napamberi pavaIsraeri; dzokai neni kuitira kuti ndigononamata Jehovha Mwari wenyu.”

31. Saka Samueri akadzokera naSauro, ipapo Sauro akanamata Jehovha.

32. Zvino Samueri akati, “Uyai naAgagi mambo wavaAmareki kwandiri.” Agagi akauya kwaari akanyatsofara, achifunga kuti, “Zvirokwazvo kuvava kworufu kwapfuura.”

33. Asi Samueri akati, “Munondo wako sezvo wakaita kuti vakadzi vashaye vana, saizvozvo mai vako vachashayiwa mwana pakati pavakadzi.” Zvino Samueri akauraya Agagi pamberi paJehovha paGirigari.

34. Ipapo Samueri akabva akaenda kuRama, asi Sauro akakwira akaenda kumba kwake paGibhea raSauro.

35. Kusvikira pazuva rakafa Samueri, haana kuzomboenda kundoona Sauro, kunyange Samueri akamuchema hake. Uye Jehovha akazvidemba kuti akanga aita kuti Sauro ave mambo wavaIsraeri.