Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 27:23-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Dhavhidhi haana kuverenga varume vaiva namakore makumi maviri zvichidzika, nokuti Jehovha akanga avimbisa kuti vaIsraeri vaizowanda senyeredzi dziri mudenga.

24. Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kuverenga varume ava asi haana kuzopedza. Kutsamwa kwakauya pamusoro peIsraeri nokuda kwokuverengwa uku, saka uwandu uhu hauna kuiswa mubhuku renhoroondo dzegore negore raMambo Dhavhidhi.

25. Azimavheti mwanakomana waAdhieri aiva muchengeti wamatura amambo. Jonatani mwanakomana waUzia aiva muchengeti wamatura kumaruwa okure, mumaguta, mumisha neshongwe dzavarindi.

26. Eziri mwanakomana waKerubhi aiva mutariri pamusoro wavashandi vomuminda vairima minda.

27. Shimei muRamati aiva mutariri weminda yemizambiringa. Zabhidhi muShifimi aiva mutariri wezvibereko zveminda yemizambiringa zvokuzoisa muzvirongo zvewaini.

28. Bhaari-Hanani muGedheri aiva mutariri wemiorivhi nemionde yakanga iri mujinga mezvikomo zvokumadokero. Joashi aiva mutariri wamafuta omuorivhi.

29. Shitirai muSharoni, aiva mutariri wemombe dzaiva mumipata.

30. Obhiri muIshumaeri aiva mutariri wengamera Jedheya muMeronoti aiva mutariri wembongoro.

31. Jazizi muHagiri aiva mutariri wamakwai. Ava ndivo vaiva vabati vaichengeta zvinhu zvamambo Dhavhidhi.

32. Jonatani, babamunini vaDhavhidhi vaiva mupi wamazano, murume woruzivo nomunyori. Jehieri mwanakomana waHakimoni aiva muchengeti wavanakomana vamambo.

33. Ahitoferi aiva mupi wamazano kuna mambo. Hushai muAriki aiva shamwari yamambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 27