Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 11:13-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia.

14. Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru.

15. Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi.

16. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema.

17. Dhavhidhi akanzwa nyota uye akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!”

18. Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema uye vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha.

19. Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu.

20. Abhishai munun'una waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya.

21. Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo.

22. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa, makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba.

23. Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanua. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.

24. Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare.

25. Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.

26. Varume voumhare vaiva: Asaheri munun'una waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema.

27. Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,

28. Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti,

29. Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Makoronike 11