Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 14:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika.

4. Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibiswa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu uye vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.

5. Nhema hadzina kuwanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.

6. Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose.

7. Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”

8. Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.”

9. Mutumwa wechitatu akavatevera uye akati nenzwi guru: “Kana munhu achinamata chikara nechifananidzo chacho uye akapiwa mucherechedzo wacho pahuma kana pamaoko,

10. naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana.

11. Uye utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira nokusingaperi-peri. Hapana zororo masikati kana usiku kuna avo vanonamata chikara nechifananidzo chacho, kana kuna ani zvake anogamuchira mucherechedzo wezita racho.”

12. Izvi zvinoda kutsungirira kwavatsvene vanoteerera mirayiro yaMwari uye vachiramba vakatendeka kuna Jesu.

13. Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.”“Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”

14. Ndakatarira, ipapo pamberi pangu pakanga pane gore jena, uye akanga agere pagore akanga ari mumwe “akaita somwanakomana womunhu” ane korona yegoridhe pamusoro wake uye ane jeko rinopinza muruoko rwake.

15. Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi uye akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti goho renyika raibva.”

16. Saka iye akanga agere pagore akavheyesa jeko rake panyika, uye nyika ikakohwewa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 14