Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 11:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!”“Hosana kumusoro-soro!”

11. Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.

12. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.

13. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.

14. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Uye vadzidzi vake vakamunzwa achidaro.

15. Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi uye akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga uye vachitengesa imomo. Akapidigura tafura dzavaitsinhana mari uye nezvigaro zvavaitengesa njiva,

16. uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chetemberi.

17. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti:“ ‘Imba yangu ichanziimba yokunyengetera yendudzi dzose’?Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ”

18. Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vanhu vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.

19. Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.

20. Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi.

21. Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 11