Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jesu anopinda muJerusarema saMambo

1. Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage nokuBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake,

2. achiti kwavari, “Endai mumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro akasungirirwa ipapo, asina kumbotasvwa nomunhu. Mumusunungure mugouya naye pano.

3. Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ ”

4. Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura,

5. vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, “Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?”

6. Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda.

7. Uye vakauya nembongoro iyi kuna Jesu uye vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi.

8. Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, uye vamwe vachiwaridza matavi avakanga vatema musango.

9. Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”

10. “Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!”“Hosana kumusoro-soro!”

11. Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.

Jesu anonatsa Temberi

12. Fume mangwana pavakanga vobva kuBhetani, Jesu akanzwa nzara.

13. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde.

14. Ipapo akati kumuti, “Ngakurege kuva nomunhu anodya muchero paurizve.” Uye vadzidzi vake vakamunzwa achidaro.

15. Paakasvika muJerusarema, Jesu akapinda mutemberi uye akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitenga uye vachitengesa imomo. Akapidigura tafura dzavaitsinhana mari uye nezvigaro zvavaitengesa njiva,

16. uye haana kutendera munhu kutakura zvaitengeswa achipinda nomuchivanze chetemberi.

17. Uye akavadzidzisa achiti, “Ko, hazvina kunyorwa here kuti:“ ‘Imba yangu ichanziimba yokunyengetera yendudzi dzose’?Asi imi maiita ‘bako ramakororo.’ ”

18. Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakazvinzwa ndokubva vatanga kutsvaka nzira yokumuuraya nayo, nokuti vanhu vaimutya, nokuti vanhu vazhinji vose vaishamiswa nedzidziso yake.

19. Madekwana akati asvika, vakaenda kunze kweguta.

Muonde Wakaoma

20. Mangwanani, pavakanga vachifamba, vakaona muonde wakaoma kubva kumidzi.

21. Petro akarangarira akati kuna Jesu, “Rabhi, tarirai! Muonde wamakatuka waoma!”

22. Jesu akapindura akati, “Ivai nokutenda muna Mwari.

23. Ndinokuudzai chokwadi, kana munhu akati kugomo iri, ‘Enda, uzvikande mugungwa,’ uye asingakahadziki nazvo mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaareva zvichaitika, achazviitirwa.

24. Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.

25. Uye paunomira uchinyengetera, kana mumwe munhu akakutadzira, muregerere, kuitira kuti Baba vako vari kudenga vagokuregerera zvivi zvako:

26. Asi kana usingaregereri, Baba vako vari kudenga havazoregereri zvivi zvako.”

Simba raJesu

27. Vakasvikazve muJerusarema, uye Jesu paaifamba mutemberi, vaprista vakuru, vadzidzisi vomurayiro navakuru vakauya kwaari.

28. Vakati, “Unoita zvinhu izvi nesimba ripiko? Uye ndiani akakupa simba rokuita izvi?”

29. Jesu akapindura akati, “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye ini ndigokuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.

30. Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!”

31. Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Zvino makaregereiko kumutenda?’

32. Asi kana tikati kuvanhu…” (Vakanga vachitya vanhu, nokuti vanhu vose vaitenda kuti Johani akanga ari muprofita zvechokwadi.)

33. Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.”Jesu akati, “Neniwo handikuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”