Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Madzimambo akakundwa

1. Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:

2. Sihoni mambo wavaAmori,aitonga muHeshibhoni. Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.

3. Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.

4. Nenyika yaOgi mambo weBhashani,mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.

5. Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGeshiri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.

6. Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo.

7. Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rakakwirira richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo,

8. nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, nenyika yavaHivhi navaAmori, navaKenani, navaPerizi navaJebhusi):

9. mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete

10. mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete

11. mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete

12. mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete

13. mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete

14. mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete

15. mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete

16. mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete

17. mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete

18. mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete

19. mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete

20. mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete

21. mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete

22. mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete

23. mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete

24. mambo weTiriza mumwe chete madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.