Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mugove waJudha

1. Nzvimbo yakapiwa rudzi rwaJudha, imba neimba, yaisvika kunyika yeEdhomu kuGwenga reZini zasi kumagumo chaiko.

2. Muganhu wavo wezasi waitangira pamuganhu weGungwa roMunyu,

3. uchiyambukira zasi kwoMupata weChinyavada uchipfuurira kuenda kuZini uchizopfuurira kuenda nechezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo waienda uchipfuura nepaHezironi kusvika Adhari uchikombamira kuKarika.

4. Ipapo waipfuurira kuAzimoni uchindobatana neRwizi rweIjipiti wogumira kugungwa. Uyu ndiwo muganhu wavo wezasi.

5. Muganhu wokumabvazuva ndiwo Gungwa roMunyu kusvikira kumuromo werwizi rweJorodhani. Muganhu wokumusoro waitangira kugungwa pamuromo weJorodhani,

6. uchienda kuBheti Hogira, ndokupfuurira nokumusoro kweBheti Arabha kusvika kubwe raBhohani mwanakomana waRubheni.

7. Ipapo muganhu waizokwira kuDhebhiri uchibva paMupata weAkori uye uchidzokera nechokumusoro wakananga kuGirigari, pakatarisana noMupata weAdhumimi nechezasi kwomupata. Waipfuurira napamvura yeEni Shemeshi ndokuzobudira kuEri Rogeri.

8. Ipapo waikwira napamupata waBheni waHinomi wakanga uri zasi kwamateru eguta ravaJebhusi (rinova Jerusarema). Kubva ipapo waikwira kumusoro kwechikomo kumavirira kwomupata waHinomi nechokumusoro kwamagumo oMupata weRefaimi.

9. Kubva pamusoro pechikomo, muganhu wainanga kuchitubu chemvura zhinji yeNefutoa, uchibudira kumaguta eGomo reEfuroni ndokuzoburuka wakananga Bhaara iro Kiriati.

10. Ipapo waikombamira kumavirira uchibva paBhaara kusvika paGomo reSeiri uchienda nokumawere eGomo reJearimi (iro Kesaroni), ndokupfuurira pasi kuBheti Shemeshi uchizoyambukira kuTimina.

11. Waiendawo nokumawere echokumusoro kweEkironi, uchidzoka wakananga kuShikeroni, uchipfuura nokuGomo reBhaara uchisvika kuJabhuneeri. Muganhu waindogumira kugungwa.

12. Muganhu wokumavirira ndiwo mahombekombe eGungwa Guru.Iyi ndiyo miganhu yakapoteredza Judha zvichienderana nedzimba dzavo.

13. Joshua akapa Karebhu mwanakomana weJefune mugove pakati pavana vaJudha sezvaakarayirwa naJehovha, akamupa Kiriati Abha, iro Hebhuroni. (Abha akanga ari tateguru waAnaki.)

14. Karebhu akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki vaiti Sheshai, Ahimani naTarimani zvizvarwa zvaAnaki kubva paHebhuroni.

15. Kubva ipapo akandorwa navanhu vaigara kuDhebhiri (yaimbonzi Kiriati Seferi).

16. Karebhu akati, “Munhu anorwa neKenati Seferi akarikunda ndichamupa mukunda wangu, Akisa ave mukadzi wake.”

17. Otinieri mwanakomana waKenazi, munun'una waKarebhu akarikunda; saka Karebhu akamupa mwanasikana wake Akisa akava mukadzi wake.

18. Akisa akati achisvika kuna Otinieri nerimwe zuva, akamukurudzira kuti akumbire munda kubva kuna baba vake. Paakaburuka pambongoro yake Karebhu akati kwaari, “Ndingakuitireiko?”

19. Iye akati, “Ndiitirei nyasha. Zvamakandipa nyika yeNegevhi, ndipeiwo zvakare matsime emvura.” Naizvozvo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.

20. Iyi ndiyo nhaka yorudzi rwaJudha, imba neimba:

21. Maguta ezasi zasi erudzi rwaJudha kuNegevhi kwakanangana nomuganhu weEdhomu kwaiva ne:Kabhizeeri, Edheri, Jaguri,

22. Kina, Dhimona, Adhadha,

23. Kedhasi, Hazori, Itinani,

24. Zifi, Teremi, Bhearoti,

25. Hazori Hadhata, Kerioti Hezironi (iro Hazori),

26. Amami, Shema, Moradha,

27. Hazari Gadha Heshimoni, Bheti Pereti,

28. Hazari Shuari, Bheerishebha, Bhiziotia,

29. Bhaara, Riyimi, Ezemi,

30. Eritoradhi, Kesiri, Hurima,

31. Zikiragi, Madhimana, Sanisana,

32. Rebhaoti, Shirimi, Aini, Rimoni, maguta anokwana makumi maviri namapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.

33. Mujinga mamakomo okumavirira maiva ne:Eshitaori, Zora neAshina,

34. Zanoa, Eni Ganimi, Tapuwa, Enami,

35. Jarimuti, Adhuramu, Soko, Azeka,

36. Shaaraimi, Adhitaimi, neGedhera (kana kuti Gedherotaimi) anova maguta gumi namana pamwe chete nemisha yawo.

37. Zenani, Hadhasha, Migidhari Gadhi,

38. Dhireani, Mizipe, Jokiteeri,

39. Rakishi, Bhozikati, Egironi,

40. Kabhoni, Rahamasi, Kitireishi,

41. Gedheroti, Bheti Dhagoni, Naama, neMakedha anova maguta gumi namatanhatu pamwe chete nemisha yawo.

42. Ribhina, Eteri, Ashani,

43. Rifita, Ashina, Nezibhi,

44. Keira, Akizibhi, Maresha anova maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.

45. Ekironi, nenzvimbo dzakaripoteredza nemisha yaro;

46. uye nokumavirira kweKironi namaguta ose akanga ari pedyo neAshidhodhi pamwe chete nemisha yawo;

47. Ashidhodhi nemisha yaro yakaripoteredza neGaza nemisha yaro kusvikira kurukova rweIjipiti namahombekombe eGungwa Guru.

48. Munyika yamakomo maiva ne:Shamiri, Jatiri, Soko,

49. Dhana, Kiriati Sana (iro Dhebhiri),

50. Anabhi, Ashitemo, Animi,

51. Gosheni, Horoni, neGiro anova maguta gumi nerimwe pamwe chete nemisha yawo.

52. Arabha, Dhuma, Eshani,

53. Janimi, Bheti Tapua, Afeka.

54. Humuta, Kiriati Abha, (iro Hebhuroni) neZiori ndiwo maguta mapfumbamwe pamwe chete nemisha yawo.

55. Maoni, Kameri, Zifi, Juta,

56. Jezirieri, Jokidheami, Zanoa,

57. Kaini, Gibhea, neTimuna, ndiwo maguta gumi nemisha yawo.

58. Hariuri, Bheti Zuri, Gedhori,

59. Maarati, Bheti Anoti, neEritekoni ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.

60. Kiriati Bhaari (iro Kiriati Jearimi) neRabha ndiwo maguta maviri nemisha yawo.

61. Murenje maiva ne:Bheti Arabha, Midhini, Sekaka,

62. Nibhishani, Guta roMunyu, neEni Gedhi ndiwo maguta matanhatu pamwe chete nemisha yawo.

63. Judha haana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vakanga vachigara muJerusarema; nanhasi vaJebhusi vageremo navanhu veJudha.