Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mugove waSimeoni

1. Mugove wechipiri wakapiwa kuna Simeoni, imba neimba. Nhaka yavo yakanga iri pakati penyika yavaJudha.

2. Nhaka yavo yaisanganisira:Bheerishebha (kana kuti Shebha),

3. Hazari Shuari, Bhara, Ezemi,

4. Eritoradhi, Bheturi, Homa,

5. Zikiragi, Bheti Makabhoti, Hazari Susa,

6. Bheti Rebhaoti neShareheni, maguta gumi namatatu nemisha yawo;

7. Aini, Rimoni, Eteri neAshani, maguta mana nemisha yawo,

8. nemisha yose yakanga yakapoteredza maguta ose aya kusvikira kuBhaarati Bheeri (Rama muNegevhi).Iyi ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavaSimeoni, mhuri nemhuri.

9. Nhaka yavaSimeoni yakanga yatorwa pamugove waJudha, nokuti mugove waJudha wakanga wakanyanya kupfuura zvavaida. Saka vaSimeoni vakapiwa nhaka mukati menyika yaJudha.

Mugove waZebhuruni

10. Mugove wechitatu wakapiwa kuna Zebhuruni, imba neimba:Muganhu wenyika yavo waisvika kuSaridhi.

11. Wainanga kumavirira uchisvika kuMarara, ndokundobata Dhabhesheti, uye waitandavara kusvika kurwizi ruri pedyo neJokineami.

12. Wakanga uchidzokera kumabvazuva uchibva kuSaridhi wakananga kumabvazuva uchienda kunyika yeKisiroti Tabhori ndokupfuurira kuDhabherati uchindokwidza kuJaifa.

13. Ipapo wakaramba wakananga kumabvazuva uchienda kuGati Hefa neEti Kazini; uchindobudira paRimoni ndokudzoka wakananga kuNea.

14. Ipapo muganhu wakapoterera nechokumusoro uchienda kuHanatoni ndokugumira paMupata weIfita Eri.

15. Waisanganisirawo Katati, Naharari, Shimironi, Idhara neBheterehema. Pakanga pana maguta gumi namaviri nemisha yawo.

16. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yaZebhuruni, imba neimba.

Mugove waIsakari

17. Mugove wechina wakapiwa Isakari, imba neimba.

18. Nyika yavo yaisanganisira:Jezireeri, Kesuroti, Shunami,

19. Hafaraimi, Shioni, Anaharati,

20. Rabhiti, Kishioni, Ebhezi,

21. Remeti, Eni Ganimi, Eni Hadha, Bheti Pazezi.

22. Muganhu waindobatawo Tabhori, Shahazuma, neBheti Shameshi ndokuguma paJorodhani. Paiva namaguta gumi namatanhatu nemisha yawo.

23. Maguta aya nemisha yawo akanga ari nhaka yorudzi rwaIsakari, imba neimba.

Mugove waAsheri

24. Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri, imba neimba.

25. Nyika yavo yaisanganisira:Herikati, Hari, Bheteni, Akisafi,

26. Aramereki, Amadhi, neMishari. Nechokumavirira, muganhu waibata Karimeri neShihori Ribhinati.

27. Ipapo waidzokera kumabvazuva wakananga kumusoro kuBheti Emeki nokuNeyeri, uchipfuurira nokuKabhuri nechokuruboshwe.

28. Wakananga kuAdhudhoni, Rehobhu, Hamoni neKana, kusvikira kuSidhoni Huru.

29. Ipapo muganhu wakadzokera kumashure wakananga kuRama ukaenda kuguta rakakomberedzwa reTire, ndokudzokera kuHosa ukandobudira pagungwa riri mudunhu reAkizibhi,

30. Uma, Afeki neRehobhi. Pakanga pana maguta makumi maviri nemisha yawo.

31. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaAsheri, imba neimba.

Mugove waNafutari

32. Mugove wechitanhatu wakapiwa kuna Nafutari, imba neimba:

33. Muganhu wavo wakatangira paHerefi napamuti mukuru weZaananimi, uchipfuura napaAdhoni Nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi uye uchigumira paJorodhani.

34. Muganhu wakaenda kumavirira ndokupfuura napaAzinoti Tabhori uye ukandobudira paHukoki. Waindobata Zebhuruni nechezasi, Asheri riri kumavirira neJorodhani rwuri kumabvazuva.

35. Maguta akanga akakombwa namasvingo aiti Zidhimu, Zeri, Hamati, Rakati, Kinereti,

36. Adhama, Rama, Hazori,

37. Kedheshi, Edhirei, Eni Hazori,

38. Ironi, Migidhari Eri, Horemi, Bheti Anati neBheti Shemeshi. Paiva namaguta gumi namapfumbamwe nemisha yawo.

39. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaNafutari, imba neimba.

Mugove waDhani

40. Mugove wechinomwe wakapiwa kurudzi rwaDhani, imba neimba.

41. Nyika yenhaka yavo yaisanganisira:Zora, Eshitaori, Iri Shemeshi,

42. Shaarabhini, Aijaroni, Itira,

43. Eroni, Timuna, Ekironi,

44. Eriteke, Gibhetoni, Bhaarati,

45. Jehudhi, Bhene Bheraki, Gati Rimoni,

46. Me Jakironi, Rakoni nenyika yakatarisana neJopa.

47. (Asi vana vaDhani vakaomerwa nokutora nyika yavo, saka vakaenda vakandorwisa Reshemi, vakaitora, vakaibaya nomunondo, ndokugara mairi. Vakagara muReshemi ndokuitumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo.)

48. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, imba neimba.

Mugove waJoshua

49. Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo,

50. sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.

51. Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.