Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 11:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto uparadze misidhari yako!

2. Ungudza, iwe muti womupaini, nokuti musidhari wawa, miti yakaisvonaka yaparadzwa! Ungudzai, imi miouki yeBhashani, nokuti dondo resango ratemwa!

3. Inzwai kuungudza kwavafudzi; mafuro avo akapfuma aparadzwa! Inzwai kuomba kweshumba, sango rinoyevedza reJorodhani raparadzwa!

4. Zvanzi naJehovha Mwari wangu, “Fudzai makwai akagadzirirwa kundobayiwa.

5. Vatengi vawo vanoabaya vagoenda nawo vasina kurangwa. Avo vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaakudzwe, ndapfuma!’ Vafudzi vawo havangaaponesi.

6. Nokuti handichazonzwirizve vanhu venyika tsitsi,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa mumwe nomumwe kumuvakidzani wake uye kuna mambo wake. Vachamanikidza nyika, uye handingavanunuri kubva pamaoko avo.”

7. Saka ndakafudza makwai akatsaurirwa kundobayiwa kunyanya ainzwisa urombo. Ipapo ndakatora tsvimbo mbiri ndikatumidza imwe kuti Nyasha uye imwe Kubatana, uye ndakafudza makwai.

8. Mumwedzi mumwe chete ndakadzinga vafudzi vatatu. Boka rakandivenga, uye ndakatanga kuneta naro

9. uye ndikati, “Handichazovi mufudzi wenyu. Regai makwai ari kufa afe, neari kuparara aparare. Regai ayo akasara adyanane nyama,”

10. Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi Nyasha ndikaivhuna, ndichiputsa sungano yandakanga ndaita nendudzi dzose.

11. Yakaputswa pazuva iroro, uye makwai airwadziwa akanga akanditarira akaziva kuti raiva shoko raJehovha.

12. Ndakaaudza kuti, “Kana muchiona zvakanaka, ndipei muripo wangu, asi kana zvisina, uchengetei.” Nokudaro vakandipa mubayiro wangu wamakumi matatu esirivha.

13. Jehovha akati kwandiri, “Ikande kumuumbi wehari, muripo wakanaka wavakanditenga nawo!” Saka ndakatora makumi matatu esirivha aya ndikaakanda muimba yaJehovha kumuumbi wehari.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 11