Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 7:16-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu mumaoko avo vose, akanga ane mwenje mukati.

17. Akati kwavari, “Mutarise kwandiri uye mutevedzere zvandinoita. Pandinosvika kumucheto kwomusasa, mubve maita sezvandinoita.

18. Kana ini navose vandinavo tikaridza hwamanda dzedu, ipapo imi mose makapoteredza musasa muridzewo dzenyu mugodanidzira muchiti, ‘Rwirai Jehovha naGidheoni!’ ”

19. Gidheoni navarume zana vaiva naye vakasvika kumucheto kwomusasa pakutanga kwenguva yapakati pousiku yokurinda, pachangoiswa mumwe murindi. Vakaridza hwamanda dzavo uye vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo.

20. Mapoka matatu akaridza hwamanda uye akaputsawo zvirongo. Vakabata mwenje mumaoko avo oruboshwe uye vakabata noruoko rworudyi hwamanda dzavaizoridza, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”

21. Murume mumwe nomumwe akaramba ari panzvimbo yake vakapoteredza musasa, vaMidhiani vose vakamhanya vachiridza mhere, vachitiza.

22. Vane mazana matatu pavakaridza hwamanda, Jehovha akaita kuti mumusasa vose vanhu vapandukirane, vabayane neminondo yavo. Hondo yakatizira kuBheti Shita yakananga kuZerera kusvikira kumuganhu weAbheri Mehora pedyo neTabhati.

23. VaIsraeri vakadanwa kubva kuNafutari, Asheri neManase yose, uye vakatevera vaMidhiani.

24. Gidheoni akatuma nhume munyika yose yezvikomo yaEfuremu achiti, “Burukai tindorwa navaMidhiani titore mvura zhinji dzeJorodhani mberi kwavo kusvikira kuBheti Bhara.” Saka varume vose veEfuremu vakadanwa uye vakatora mvura zhinji dzeJorodhani kusvikira kuBheti Bhara.

25. Vakatapawo vatungamiri vaviri vavaMidhiani, Orebhi naZeebhi. Vakauraya Orebhi paruware rwaOrebhi, uye Zeebhi vakamuurayira pachisviniro chewaini chaZeebhi. Vakatevera vaMidhiani uye vakauya nemisoro yaOrebhi naZeebhi kuna Gidheoni, akanga ari paJorodhani.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 7