Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 2:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.

8. Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete.

9. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi.

10. Mushure mokunge rudzi rwose rwasanganiswa namadzibaba arwo, rumwe rudzi rwakanga rusingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri rwakamuka.

11. Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari.

12. Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vamarudzi akanga akavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha.

13. Nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti.

14. Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa.

15. Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika pamusoro pavo. Vakanga vari munhamo huru.

16. Ipapo Jehovha akavamutsira vatongi vakavaponesa kubva mumaoko avapambi ava.

17. Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha.

18. Pose pavaimutsirwa mutongi naJehovha, iye aiva nomutongi uyo, uye aivaponesa kubva mumaoko avavengi vavo, mutongi paainge achiri mupenyu; nokuti Jehovha ainge avanzwira ngoni pavaigomera vari pasi pavaya vaivadzvinyirira nokuvanetsa.

19. Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 2