Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 14:13-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Kana musingagoni kudzidudzira, imi munofanira kundipa nguo dzomucheka makumi matatu namakumi matatu ehanzu.” Ivo vakati, “Tiudze chirahwe chako. Rega tichinzwe.”

14. Akapindura akati: “Kumudyi, kwakabuda chokudya; kune ane simba, kwakabuda zvinotapira.” Havana kugona kupa mhinduro kwamazuva matatu.

15. Pazuva rechina, vakati kumukadzi waSamusoni, “Nyengetedza murume wako kuti atsanangure chirahwe kuti tiregere kukupisai mukafa iwe neveimba yababa vako. Munotikoka pano kuzotibira nhai?”

16. Ipapo mukadzi waSamusoni akazviwisira paari, achichema akati, “Unondivenga iwe! Haundidi chaizvo izvo. Wakapa vanhu vokwangu chirahwe, asi hauna kundiudza dudziro yacho.” Akati, “Handina kutongochitsanangurira baba vangu kana mai vangu, saka ndingachitsanangura seiko kwauri?”

17. Akachema kwamazuva manomwe ose omutambo. Saka akapedzisira amuudza pazuva rechinomwe, nokuti akaramba achingomumanikidza. Iye akabva azotsanangurira vanhu vake chirahwe.

18. Pazuva rechinomwe, zuva risati radoka, varume vomuguta vakati kwaari,“Chiiko chinotapira souchi?Chiiko chine simba seshumba?”Samusoni akati kwavari,“Dai manga musina kurima netsiru rangu,mungadai musina kugona kududzira chirahwe changu.”

19. Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba. Akaburuka akaenda kuAshikeroni, akandouraya varume makumi matatu, akakutunura zvinhu zvavo akapa nguo dzavo kuna avo vakadudzira chirahwe. Akatsamwa kwazvo akaenda kumba kwababa vake.

20. Uye mukadzi waSamusoni akapiwa kushamwari yakanga yamuperekedza pasvitsa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 14