Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 7:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa.Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko, igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake.

10. Ini ndiri womudiwa wangu, uye iye anondishuva.

11. Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda, tigozopedza usiku hwose kumamisha.

12. Ngatimukirei kuminda yemizambiringa tindoona kana mizambiringa yakabukira, uye kana maruva awo azaruka, uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva, ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu.

13. Miti yemidiwadiwa inopa kunhuwira kwayo, uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose, zvose zvitsva nezvitsaru, zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 7