Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 7:9-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Asi Mozisi haana kupa chinhu kuvanakomana vaKohati, nokuti vaifanira kutakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo, iri ndiro raiva basa ravo.

10. Aritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari.

11. Nokuti Jehovha akanga ati kuna Mozisi, “Zuva rimwe nerimwe, mutungamiri mumwe chete anofanira kuuya nechipiriso chake chokukumikidza aritari.”

12. Nashoni mwanakomana waAminadhabhi worudzi rwaJudha, ndiye akauya nechipiriso chake pazuva rokutanga.

13. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatua, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema mashekeri makumi manomweb, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rimwe nerimwe rizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;

14. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumic, rizere nezvinonhuwira;

15. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete negwayana rimwe chete romukono wegore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

16. nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

17. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNashoni mwanakomana waAminadhabhi.

18. Pazuva rechipiri, Netaneri mwanakomana waZuari, mutungamiri waIsakari, akauya nechipiriso chake.

19. Chipiriso chaakauya nacho chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema makumi manomwe amashekeri, zvose zviri zviviri zvaiva zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, maererano neshekeri renzvimbo tsvene;

20. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;

21. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana regore rimwe chete, zvechipiriso chinopiswa;

22. nhongo imwe chete yembudzi yechipiriso chechivi;

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 7