Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 7:83-89 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

83. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi namakwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAhira mwanakomana waEnani.

84. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvavatungamiri veIsraeri pakukumikidzwa kwearitari payakazodzwa; ndiro dzesirivha gumi nembiri, mbiya dzesirivha dzokusasa gumi nembiri namadhishi egoridhe gumi namaviri.

85. Ndiro imwe neimwe yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu uye mbiya imwe neimwe yokusasa yairema mashekeri makumi manomwe. Pamwe chete madhishi esirivha airema zviuru zviviri namazana mana amashekerid, maererano neshekeri renzvimbo tsvene.

86. Madhishi egoridhe gumi namaviri akanga azere nezvinonhuwirira airema mashekeri zana namakumi mavirie.

87. Uwandu hwezvipfuwo zvechipiriso chinopiswa pamwe chete hwaiti hando duku gumi nembiri, makondohwe gumi namaviri namakondohwe maduku egore rimwe chete gumi namaviri, pamwe chete nechipiriso chavo chezviyo. Nhongo dzembudzi gumi nembiri dzakashandiswa pachipiriso chechivi.

88. Uwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondohwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondohwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo.

89. Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 7