Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.