Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 21:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Saka Mozisi akagadzira nyoka yendarira akaiturika padanda. Ipapo vaiti kana ani naani akange arumwa nenyoka, akatarisa panyoka yendarira, airarama.

10. VaIsraeri vakaramba vachifamba vakandodzika musasa paObhoti.

11. Ipapo vakasimuka kubva paObhoti vakandodzika musasa paIye Abharimi, mugwenga rakatarisana neMoabhu kwakanangana nokumabudazuva.

12. Kubva ipapo vakaenderera mberi vakandodzika musasa muMupata weZeredhi.

13. Vakasimuka vakabvapo vakandodzika musasa mujinga meAnoni, riri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Anoni ndiwo muganhu weMoabhu, pakati peMoabhu navaAmori.

14. Ndokusaka Bhuku reHondo dzaJehovha richiti:“Wahebhi muSufa nehova, Anoni

15. nemateru ehova dzinonanga kunzvimbo yeAri uye dzinowanikwa pamuganhu weMoabhu.”

16. Kubva ipapo vakapfuurira mberi vachienda vakasvika kuBheeri, patsime apo pakanzi naJehovha kuna Mozisi, “Unganidza vanhu pamwe chete uye ini ndichavapa mvura.”

17. Ipapo vaIsraeri vakaimba rwiyo urwu:“Tubuka, iwe tsime! Imbai pamusoro paro,

18. pamusoro petsime rakacherwa namachinda, rakacherwa namakurukota avanhu, makurukota akanga ane tsvimbo dzoushe nemidonzvo.”Ipapo vakabva murenje vakaenda kuMatana,

19. vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti,

20. uye vachibva kuBhamoti vakaenda kumupata uri muMoabhu pamusoro pegomo rePisiga rinotarira pasi kurenje.

21. VaIsraeri vakatuma nhume kundoti kuna Sihoni mambo wavaAmori:

22. “Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatingatsaukiri muminda yenyu kana minda yemizambiringa, kana kunwa mvura kubva patsime ripi zvaro. Tichangofamba hedu nomunzira huru yamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”

23. Asi Sihoni haana kutendera vaIsraeri kupfuura nomunyika yake. Akaunganidza hondo yake yose vakafamba vachienda kurenje kundorwisa vaIsraeri. Akati asvika paJahazi, vakarwa navaIsraeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 21