Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 20:14-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Mozisi akatuma nhume ari kuKadheshi kuna mambo weEdhomu, achiti,“Zvanzi nomunun'una wako Israeri: Iwe unoziva matambudziko ose akatiwira.

15. Madzibaba edu akaburuka achienda kuIjipiti, uye takandogarako kwamakore mazhinji. VaIjipita vakatibata zvakaipa isu namadzibaba edu,

16. asi takati tadana kuna Jehovha, iye akatinzwa akatuma mutumwa akatibudisa muIjipiti.“Zvino tiri pano paKadheshi, guta riri kumucheto wenyika yenyu.

17. Tapota titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizopindi nomuminda ipi zvayo kana minda yemizambiringa kana kunwa zvako mvura mutsime ripi zvaro. Tichafamba hedu nomunzira huru yamambo uye hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura nomunyika yenyu.”

18. Asi Edhomu akapindura akati,“Hamupfuuri napano; kana mukaedza, tichabuda tigokurwisai nomunondo.”

19. VaIsraeri vakapindura vakati,“Tichaenda nenzira huru, uye kana isu kana zvipfuwo zvedu zvikanwa mvura yenyu, ticharipa. Tinongoda kupfuura tichifamba netsoka, hapanazve chimwe.”

20. Vakapindurazve vachiti,“Hamungapfuuri.”Ipapo Edhomu akauya kuzovarwisa nehondo huru uye ine simba.

21. Sezvo Edhomu akaramba kuvabvumira kupfuura nomunyika yavo, vaIsraeri vakatsauka havo kubva kwavari.

22. Ungano yose yeIsraeri yakasimuka kubva kuKadheshi uye vakasvika paGomo reHori.

23. PaGomo reHori, pedyo nomuganhu weEdhomu, Jehovha akati kuna Mozisi naAroni,

24. “Aroni achachengetwa kuvanhu vokwake. Haangapindi munyika yandakapa vaIsraeri, nokuti mose muri vaviri makamukira murayiro wangu pamvura yepaMeribha.

25. Tora Aroni nomwanakomana wake Ereazari ukwire navo muGomo reHori.

26. Ubvise nguo dzaAroni udzipfekedze mwanakomana wake Ereazari nokuti Aroni achasanganiswa navanhu vokwake; achafira ipapo.”

27. Mozisi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha: Vakakwira muGomo reHori pamberi peungano yose.

28. Mozisi akabvisa nguo dzaAroni akadzipfekedza mwanakomana wake Ereazari. Uye Aroni akafira ipapo pamusoro pegomo. Ipapo Mozisi naEreazari vakaburuka kubva mugomo.

29. Uye ungano yose yakati yazvinzwa kuti Aroni akanga afa, imba yose yeIsraeri yakamuchema kwamazuva makumi matatu.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 20