Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 19:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Anofanira kuzvinatsa nemvura nezuva retatu uye nezuva rechinomwe; ipapo achava akachena.

13. Ani naani anobata chitunha chaani zvake akasazvinatsa anosvibisa tabhenakeri yaJehovha. Munhu uyu anofanira kubviswa pakati pavaIsraeri. Nokuti mvura yokunatsa haina kumbosaswa pamusoro pake, haana kuchena; kusachena kwake kucharamba kuri paari.

14. “Uyu ndiwo murayiro unobata pamunhu anofira mutende: Ani naani anopinda mutende uye ani zvake ari mariri achava asina kuchena kwamazuva manomwe,

15. uye midziyo yose yakazarurwa, isina kukwidibirwa, ichava isina kuchena.

16. “Ani naani ari musango anobata munhu akaurayiwa nomunondo kana mumwe munhu akangofawo zvake, kana munhu anobata bvupa romunhu kana guva, achava asina kuchena kwamazuva manomwe.

17. “Kana munhu asina kuchena, utore dota rinobva pachipiriso chokunatsa chakapiswa ugoriisa muchirongo ugoridira mvura yakachena.

18. Ipapo munhu akachena anofanira kutora hisopi, ainyike mumvura agosasa tende nemidziyo yose uye navanhu vanga varimo. Anofanira kusasawo ani zvake akabata bvupa romunhu kana guva kana mumwe munhu akaurayiwa kana munhu akangofawo zvake.

19. Munhu akachena anofanira kusasa munhu asina kuchena nezuva rechitatu uye nerechinomwe, uye pazuva rechinomwe anofanira kumunatsa. Munhu ari kunatswa anofanira kusuka nguo dzake agozvishambidza nemvura, uye manheru iwayo anofanira kuva akachena.

20. Asi kana munhu asina kuchena akasazvinatsa, anofanira kubviswa paungano, nokuti iye asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Mvura yokunatsa haina kumbosaswa paari, nokudaro haana kuchena.

21. Uyu mutemo uchagara uripo kwavari.“Munhu anosasa mvura yokunatsa anofanirawo kusuka nguo dzake, uye ani naani anobata mvura yokunatsa achava asina kunaka kusvikira madekwana.

22. Chinhu chose chinobatwa nomunhu asina kuchena chinova chisina kuchena, uye ani naani anochibata anova asina kuchena kusvikira madekwana.”

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 19