Testamende Yekare

Testamende Itsva

Numeri 11:24-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende.

25. Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve.

26. Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa.

27. Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.”

28. Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!”

29. Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa mweya wake pamusoro pavo!”

30. Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa.

31. Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviria kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose.

32. Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumib. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa.

33. Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa.

34. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hatava, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya.

35. Vanhu vakabva paKibhuroti Hatava vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko.

Verenga chitsauko zvakakwana Numeri 11