Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve.