Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 3:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yerimwe dunhu reJerusarema, akagadzira chikamu chaitevera achibatsirwa navanasikana vake.

13. Suo roMupata rakagadzirwa naHanuni navagari veZanoa. Vakarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudi nemazariro esimbi panzvimbo yawo. Vakagadzirawo makubhiti chiuru chimwea orusvingo kudzamara vasvika paSuo raMarara.

14. Marikija mwanakomana waRekabhu, mutongi wedunhu reBheti Hakeremu akagadzira Suo reMarara. Akarivaka patsva ndokuisa makonhi aro namabhaudi namazariro panzvimbo yazvo.

15. Suo reTsime rakagadzirwa naSharuni mwanakomana waKori-Hoze, mutongi wedunhu reMizipa. Akarivaka patsva ndokuisa denga namakonhi aro namabhaudi uye akaisa nemazariro panzvimbo yawo. Akagadzirazve rusvingo rweDziva reSiroami, paBindu raMambo kusvikira pamatanho anoburukira kuGuta raDhavhidhi.

16. Akamutevera ndiNehemia mwanakomana waAzubhuki mutongi wehafu yedunhu raBheti Zuri, akagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana nemakuva aDhavhidhi kusvikira padziva nokuImba yeMhare.

17. VaRevhi vaiva pasi paRehumi mwanakomana waBhani vakamutevera pakugadzira. Parutivi rwake, Hashabhia, mutongi wehafu yedunhu reKeira, akaita mabasa okugadzira panzvimbo yedunhu rake.

18. Vaimutevera pakugadzira, vanhu venyika yavo vaiva pasi paBhinui mwanakomana waHenadhadhi, mutongi weimwe hafu yeKeira.

19. Aimutevera ndiEzeri mwanakomana waJeshua, mutongi weMizipa, akagadzira chimwe chikamu kubva pamukwidza wakatarisana neimba yezvombo zvehondo kusvikira pakona.

20. Bharuki mwanakomana waZabhai akamutevera, akagadzira chimwe chikamu nomwoyo wose kubva pakona zvichienda pamusuo weimba yaEriashibhi muprista mukuru.

21. Aimutevera, ndiMeromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi, akagadzira chimwe chikamu, kubva pamusuo weimba yaErishibhi kusvikira painoguma.

22. Zvakagadzirwa mumashure make zvakaitwa navaprista vaibva mudunhu rakapoteredza.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 3