Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 7:24-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Chii zvacho chingava uchenjeri, chiri kure kwazvo uye chakadzama, ndiani angachiwana?

25. Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa, kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu, uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipa nomupengo hwoupenzi.

26. Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu, mukadzi anova musungo, mwoyo wake uri hunza uye maoko ake ari ngetani. Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari, asi mutadzi achabatwa naye.

27. Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana:“Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,

28. pandakanga ndichiri kutsvaka asi ndisina chandinowana, ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru, asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose.

29. Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti: Mwari akaita vanhu vakarurama, asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.”

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 7