Testamende Yekare

Testamende Itsva

Muparidzi 11:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji, nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.

2. Govera vanomwe, kunyange navaserewo; nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.

3. Kana makore azara nemvura anonayisa mvura panyika. Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro, panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.

4. Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi.

5. Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose.

6. Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.

7. Chiedza chakanaka, uye zvinofadza meso kuona zuva.

Verenga chitsauko zvakakwana Muparidzi 11